Isaiah 52

1Muka, muka iwe Zioni,
zvifukidze nesimba.
Fuka nguo dzako dzakanakisa,
iwe Jerusarema, guta dzvene.
Vasina kudzingiswa navakasvibiswa
havachapindizve mauri.
2Zunza guruva rako: simuka,
ugare paushe, iwe Jerusarema.
Zvisunungure pangetani dziri pamutsipa wako,
iwe nhapwa, Mwanasikana weZioni.
3Nokuti zvanzi naJehovha,

“Wakatengeswa pasina mutengo,
uye uchadzikinurwa pasina mari.”
4Nokuti zvanzi naIshe Jehovha,

“Pakutanga vanhu vangu vakaenda kuIjipiti kundogarako;
iye zvino Asiria inovamanikidza.
5“Uye zvino ndinei pano?” ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Nokuti vanhu vangu vakabviswa pasina,
uye avo vanovatonga vanovaseka,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
“Uye zuva rose
zita rangu rinogara richimhurwa.
6Naizvozvo vanhu vangu vachaziva zita rangu;
naizvozvo pazuva iro vachaziva
kuti ndini ndakazvitaura.
Hongu, ndini iye.”

7Dzakanaka sei pamusoro pamakomo
tsoka dzavanouya namashoko akanaka,
vanoparidza rugare,
vanouya namashoko akanaka,
vanoparidza ruponeso,
vanoti kuZioni,
“Mwari wako anotonga!”
8Chinzwa! Nharirire dzako dzinodanidzira namanzwi adzo;
vanopembera nomufaro pamwe chete.
Panodzokera Jehovha kuZioni,
vachazviona nameso avo pachavo.
9Pururudzai muimbe nziyo dzomufaro pamwe chete,
imi matongo eJerusarema,
nokuti Jehovha anyaradza vanhu vake,
akadzikinura Jerusarema.
10Jehovha acharatidza ruoko rwake rutsvene
pamberi pendudzi dzose,
uye magumo ose enyika achaona
ruponeso rwaMwari wedu.

11Ibvai, ibvai, budai ikoko!
Musabata chinhu chine tsvina!
Budaimo mugova vakachena,
imi munotakura midziyo yaJehovha.
12Asi hamungazobudi nokukurumidza
kana kuenda muchitiza;
nokuti Jehovha achakutungamirirai,
Mwari waIsraeri achakurindai mushure.

Kutambudzika noKukudzwa kwoMuranda

13Tarirai muranda wangu achaita nouchenjeri;
achasimudzirwa uye achakwidzwa pamusoro, uye achakudzwa kwazvo.
14Sezvo vazhinji vakashamiswa naye,
chiso chake chakanga chakakuvadzwa zvikuru, kupfuura chomunhu upi zvake,
uye chimiro chake chakanga chakanganiswa, kupfuura kuratidzika kwomunhu,
15saka iye achasasa ndudzi zhinji,
uye madzimambo achafumbira miromo nokuda kwake.
Nokuti zvavakanga vasina kuudzwa, vachazviona,
uye zvavasina kumbonzwa, vachazvinzwisisa.
Copyright information for SnaBDSC